8. Chimwe nechimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakanga china mapapiro matanhatu uye chakanga chakafukidzwa nameso kumativi ose, kunyange pasi pamapapiro acho. Masikati nousiku hazvina kumborega kuti:“Mutsvene, mutsvene, mutsvene,ndiye Ishe Mwari Wamasimba Ose,akanga aripo, aripo, uye achazouya.”
9. Pose paipa zvisikwa zvipenyu mbiri, kukudzwa nokuvonga kuna iye anogara pachigaro choushe, iye anogara nokusingaperi-peri,
10. vakuru makumi maviri navana vaiwira pasi pamberi pake iye anogara pachigaro choushe, uye vaimunamata iye anogara nokusingaperi-peri. Vaikanda korona dzavo pamberi pechigaro choushe vachiti:
11. “Makafanira, Ishe naMwari wedu,kugamuchira mbiri nokukudzwa,uye nesimba,nokuti makasika zvinhu zvose,nokuda kwenyu zvakasikwa,uye zviripo nokuda kwenyu.”