1. Shure kwaizvozvi ndakaona mumwe mutumwa achiburuka kubva kudenga. Akanga ane simba guru, uye nyika yakavhenekerwa nokubwinya kwake.
2. Akadanidzira nenzwi guru achiti:“Rawa! Rawa Bhabhironi Guta Guru!Rava musha wamadhimoni nougaro hwemweya yose yakaipa,ugaro hweshiri dzose dzine tsvina nedzinonyangadza.
3. Nokuti ndudzi dzose dzakanwa waini inopengesa youpombwe hwaro.Madzimambo enyika akaita upombwe naro,uye vashambadziri venyika vakapfuma kubva pakufadzwa kwaro kuzhinji.”