Zvakazarurwa 1:11-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. richiti, “Nyora mubhuku rakapetwa zvaunoona uye ugozvitumira kukereke nomwe: dzokuEfeso, Simina, Pegamo, Tiatira, Sadhisi, Firadherifia neRaodhikea.”

12. Ndakatendeuka ndikatarisa kuti ndione inzwi rakanga richitaura kwandiri. Uye ndakatendeuka ndikaona zvigadziko zvemwenje,

13. uye pakati pezvigadziko zvemwenje pakanga pano mumwe akanga “akaita somwanakomana womunhu,” akafuka nguo yaisvika kutsoka dzake uye ane bhanire regoridhe pachipfuva chake.

14. Musoro wake nebvudzi rake zvakanga zvakachena samakushe, zvakachena sechando, uye meso ake akanga akaita somurazvo womoto.

15. Tsoka dzake dzakanga dzakaita sendarira inopenya muvira romoto, uye inzwi rake rakanga rakaita somubvumo wemvura zhinji.

16. Akanga akabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rworudyi, uye mumuromo make makabuda munondo unopinza, unocheka mativi ose. Chiso chake chakanga chakaita sezuva rinopenya nokupenya kwaro kwose.

Zvakazarurwa 1