Vatongi 16:16-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Pakupedzisira mushure mokunge atambudzwa namashoko ake, zuva nezuva, achimugombedzera, akaneta zvokusvika parufu.

17. Saka akamuudza zvose. Akati, “Hapana chisvo chakatomboshandiswa kuveura musoro wangu, nokuti ndakaitwa muNaziri akatsaurirwa kuna Mwari kubva pakuberekwa kwangu. Kana musoro wangu ukaveurwa, simba rangu rinobva pandiri, uye ndinozova munhu asina simba, somumwewo munhu zvake.”

18. Dherira paakaona kuti akanga amuudza zvose, akatuma shoko kuvatongi vavaFiristia vakadzoka vaine sirivha mumaoko avo.

19. Akati amurarisa pamakumbo ake, akadana munhu kuti azoveura mhotsi nomwe dzebvudzi rake, nokudaro akatanga kumukunda. Uye simba rake rakabva paari.

20. Ipapo akadana Samusoni akati, “Samusoni, vaFiristia vasvika!” Akapepuka pahope dzake akafunga akati, “Ndichabuda sezvandaiita kare uye ndichazvisunungura.” Asi akanga asingazivi kuti Jehovha akanga abva paari.

21. Ipapo vaFiristia vakamubata vakatumbura meso ake vakamuendesa kundokuya mutorongo.

22. Asi bvudzi romusoro wake rakatanga kukurazve shure kwokumboveurwa.

23. Zvino vatongi vavaFiristia vakaungana kuti vabayire chibayiro chikuru kuna Dhagoni mwari wavo uye kuti vapemberere vachiti, “Mwari wedu aisa Samusoni, muvengi wedu, mumaoko edu.”

24. Vanhu vakati vamuona, vakarumbidza mwari wavo vachiti, “Mwari wedu aisa muvengi wedu mumaoko edu, iye akaparadza nyika yedu akawanza vakaurayiwa vedu.”

25. Vari pakufara kukuru, vakadanidzira vachiti, “Budisai Samusoni kuti auye kuzotitandadza.” Saka vakadana Samusoni kuti abude mutorongo, uye akavatambira. Vakati vamumisa pakati pembiru,

26. Samusoni akati kumuranda akanga akabata ruoko rwake, “Ndiise pandinogona kubata mbiru dzinotsigira temberi, kuitira kuti ndisendamire padziri.”

27. Zvino temberi yakanga izere navarume navakadzi; vatongi vose vavaFiristia vakanga varimo uye padenga pakanga pane varume navakadzi vanenge zviuru zvitatu vakatarira Samusoni achitamba.

28. Ipapo Samusoni akanyengetera kuna Jehovha akati, “Haiwa Ishe Jehovha, ndirangarirei. Imi Mwari, ndapota hangu, ndisimbisei henyu nguva ino bedzi, uye nditenderei kamwe chete kuti nditsive vaFiristia nokuda kwameso angu maviri.”

Vatongi 16