Varoma 3:5-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Asi kana kusarurama kwedu kuchiratidza kururama kwaMwari zvinonyatsoonekwa, tichatiiko? Kuti Mwari haana kururama here kana achiisa hasha dzake pamusoro pedu? (Ndiri kutaura namatauriro avanhu).

6. Kwete kwete! Dai zvanga zviri izvo, Mwari aizotonga nyika seiko?

7. Mumwe anogona kuti, “zvino kana nhema dzangu dzichiita kuti chokwadi chaMwari chionekwe uye zvichizowedzera kukudzwa kwake, ko, sei ndichizotongwa somutadzi?”

8. Ticharegerereiko kutaura sezvatinopomerwa, uye sezvinoreva vamwe vachiti tinoti, “Ngatiitei zvakaipa kuti zvakanaka zvibudepo”? Kutongwa kwavo kwakavafanira.

9. Zvino tichatiiko? Tinovapfuura here? Kwete napaduku pose! Nokuti tambopa vose mhosva vaJudha navaHedheni yokuva pasi pechivi.

10. Sezvazvakanyorwa zvichinzi:“Hakuna akarurama, kunyange nomumwe;

11. hakuna anonzwisisa,hakuna anotsvaka Mwari.

12. Vose vakatsauka,vose pamwe chete vakava vasina maturo;hapana kana mumwe anoita zvakanaka,kana mumwe zvake.”

13. “Huro dzavo makuva akashama;ndimi dzavo dzinotaura unyengeri.”“Uturu hwenyoka huri pamiromo yavo.”

14. “Miromo yavo izere nokutuka nokuvava.”

15. “Tsoka dzavo dzinokurumidza kuteura ropa;

16. kuparadza nenhamo zviri panzira dzavo,

Varoma 3