21. Ndiudzei, imi munoda kuva pasi pomurayiro, hamuzivi here zvinoreva murayiro?
22. Nokuti kwakanyorwa kuti Abhurahama akanga ana vanakomana vaviri, mumwe nomukadzi woutapwa uye mumwe nomukadzi akasununguka.
23. Mwanakomana wake womukadzi mutapwa akaberekwa nenzira yenyama; asi mwanakomana wake womukadzi akasununguka akaberekwa nokuda kwechipikirwa.
24. Zvinhu izvi zvinofananidzira, nokuti vakadzi ava vanomirira sungano mbiri. Imwe sungano inobva paGomo reSinai uye inobereka vana vanofanira kuva nhapwa: Ndiye Hagari.
25. Zvino Hagari anomirira Gomo reSinai muArabhia uye rakaenzana neguta reJerusarema razvino, nokuti riri pautapwa navana varo.
26. Asi Jerusarema riri kumusoro rakasununguka, uye ndivo mai vedu.
27. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi:“Fara iwe mukadzi asingabereki,asingabereki vana;iwe usingarwadziwi nokubereka;nokuti vana vomukadzi akasiyiwa vazhinji kupfuura vouyo ano murume.”
28. Zvino imi hama, muri vana vechipikirwa saIsaka.
29. Panguva iyoyo mwanakomana akazvarwa nenzira yenyama akatambudza mwanakomana akaberekwa nesimba roMweya. Zvakadaro nanhasi.
30. Asi Rugwaro runoti kudiniko? “Dzinga murandakadzi nomwanakomana wake, nokuti mwanakomana womurandakadzi haangatongogovani nhaka nomwanakomana womukadzi akasununguka.”
31. Naizvozvo, hama, isu hatizi vana vomurandakadzi, asi vomukadzi akasununguka.