Numeri 26:32-47 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

32. Shemidha, kwakabva mhuri yavaShemidha; Heferi, kwakabva mhuri yavaHeferi.

33. (Zerofehadhi mwanakomana waHeferi akanga asina vanakomana; akanga achingova navanasikana bedzi, mazita avo aiva: Mara, Noa, Hogira, Mirika naTiriza.)

34. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaManase; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mashanu nezviviri, namazana manomwe.

35. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaEfuremu nemhuri dzavo: Shutera, kwakabva mhuri yaShutera; Bhekeri, kwakabva mhuri yaBhekeri; Tahani, kwakabva mhuri yaTahani.

36. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaShutera: Erani, kwakabva mhuri yaErani.

37. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaEfuremu; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matatu nezviviri, namazana mashanu. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaJosefa nemhuri dzavo.

38. Zvizvarwa zvaBhenjamini nemhuri dzavo zvaiva: Bhera, kwakabva mhuri yavaBhera; Ashibheri, kwakabva mhuri yavaAshibheri; Ahiramu, kwakabva mhuri yaAhiramu;

39. Shufami, kwakabva mhuri yaShufami; Hufami, kwakabva mhuri yaHufami.

40. Zvizvarwa zvaBhera kubudikidza naAradhi naNaamani zvaiva: Aradhi, kwakabva mhuri yavaAradhi; Naamani, kwakabva mhuri yavaNaamani.

41. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaBhenjamini; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana nezvishanu, namazana matanhatu.

42. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaDhani nemhuri dzavo: Shuhami, kwakabva mhuri yavaShuhami. Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzaDhani:

43. Vose vakanga vari vemhuri yaShuhami; uye vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matanhatu nezvina, namazana mana.

44. Zvizvarwa zvaAsheri nemhuri dzavo zvaiva: Imina, kwakabva mhuri yavaImina; Ishivhi, kwakabva mhuri yavaIshivhi; Bheria, kwakabva mhuri yavaBheria;

45. uye kubudikidza nezvizvarwa zvavaBheria: Hebheri, kwakabva mhuri yavaHebheri; Marikieri, kwakabva mhuri yavaMarikieri.

46. (Asheri akanga ane mwanasikana ainzi Sera).

47. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaAsheri; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mashanu nezvitatu, namazana mana.

Numeri 26