Nehemia 3:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino Eriashibhi muprista mukuru navamwe vaprista vakaenda kundoshanda uye akavakazve Suo raMakwai. Vakarikumikidza akaisa makonhi panzvimbo yawo, vakarivaka kunosvika paShongwe yeZana, iyo yavakakumikidza, kusvikira paShongwe yaHananeri.

2. Varume veJeriko vakavaka chikamu chaiva pedyo, uye Zakuri mwanakomana waImuri akavaka parutivi rwavo.

3. Suo reHove rakavakwa navanakomana veHasenaya. Vakaisa matanda okuchinjika akaisa makonhi aro namabhaudhi uye namazariro panzvimbo yawo.

4. Meromoti mwanakomana waUria, mwanakomana waHakozi akagadzira chikamu chaitevera. Aimutevera pakugadzira aiva Meshurami mwanakomana waBherekia, mwanakomana waMeshebhezeri, uye aitevera mushure make ari Zadhoki mwanakomana waBhaana, akagadzirawo.

5. Chikamu chaitevera chakagadzirwa navarume veTekoa, asi vakuru vavo vakangopeta maoko avo vakasashandira Ishe wavo.

6. Suo raJeshana rakagadzirwa naJoyadha mwanakomana waPasea naMeshurami mwanakomana waBhesodheya. Vakaisa matanda aro okuchinjika ndokuisa makonhi namabhaudhi namazariro panzvimbo yawo.

7. Zvakatevera pakugadzirwa zvakaitwa navarume vaibva kuGibheoni neMizipa, naMeratia weGibheoni uye naJadhoni wokuMeronoti, nzvimbo dzaiva pasi pomubati wemhiri kweYufuratesi.

Nehemia 3