8. Kana zvisizvo, makabuda kundoonei? Maindoona murume akanga akapfeka nguo dzakanaka here? Kwete, avo vanopfeka nguo dzakanaka vari mumizinda yamadzimambo.
9. Zvino makabuda kundooneiko? Muprofita here? Hongu, ndinoti kwamuri anopfuura kwazvo muprofita.
10. Iyeyu ndiye akanyorwa nezvake zvichinzi:“ ‘Ndinotuma nhume yangu mberi kwakouye achakugadzirira nzira yako mberi kwako.’
11. “Ndinokuudzai chokwadi kuti: Pavanhu vose vakaberekwa navakadzi, hapana mukuru kuna Johani Mubhabhatidzi. Asi muduku muushe hwokudenga mukuru kwaari.
12. Kubva pamazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, umambo hwokudenga hwanga huchipfuurira mberi nechisimba, uye varume vechisimba vanohutora.
13. Nokuti Vaprofita vose neMirayiro vakaprofita kusvikira pana Johani.
14. Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eria akanga achizouya.
15. Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.
16. “Rudzi urwu ndingaruenzanisa nei? Vakafanana navana vari mumisika vari kudanidzira kuna vamwe vachiti:
17. “ ‘Takakuridzirai hwamanda,asi hamuna kutamba;takaimba rwiyo rworufu,uye hamuna kuchema.’
18. “Nokuti Johani akanga asingadyi kana kunwa asi vakati, ‘Ane dhimoni.’
19. Mwanakomana woMunhu akanga achidya nokunwa, zvino vanoti, ‘Houno wamakaro nomunwi, shamwari yavateresi navatadzi.’ Asi uchenjeri hunozviratidza kuti hwakarurama namabasa ahwo.”
20. Ipapo Jesu akatanga kutuka maguta akanga aitwa zvishamiso zvake zvizhinji, nokuti akanga asina kutendeuka.
21. “Une nhamo iwe Korazini! Une nhamo iwe Bhetisaidha! Kudai zvishamiso zvakaitwa mauri zvainge zvakaitwa muTire neSidhoni vangadai vakatendeuka kare vakapfeka masaga uye vakazvizora dota.
22. Asi ndinokuudzai kuti Tire neSidhoni zvicharerukirwa pazuva rokutongwa kupfuura imi.
23. Uye iwe Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Kwete, asi uchaiswa pakadzikadzika. Dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvainge zvakaitwa muSodhomu, ringadai richiripo nanhasi.