12. Regai kuva kure neni, imi Mwari; uyai nokukurumidza, imi Mwari wangu, mundibatsire.
13. Vapomeri vangu ngavaparare vanyadziswe; vaya vanoda kundikuvadza ngavafukidzwe nokusekwa nokunyadziswa.
14. Asi kana ndirini, ndichagara ndine tariro; ndicharamba ndichikurumbidzai zvakanyanya.
15. Muromo wangu uchareva zvokururama kwenyu, nezvoruponeso rwenyu zuva rose, kunyange ndisingazivi chiyero charwo.
16. Ndichauya ndichiparidza mabasa enyu makuru, imi Ishe Jehovha; ndichaparidza kururama kwenyu, iyemi moga.
17. Kubva pauduku hwangu, imi Mwari, makandidzidzisa, nanhasi uno ndinoparidza mabasa enyu anoshamisa.
18. Kunyange pandinenge ndakwegura uye bvudzi rachena, musandisiya, imi Mwari, kusvikira ndaparidza simba renyu kurudzi runotevera, nesimba renyu kuna vose vari kuzouya.
19. Kururama kwenyu kunosvika kudenga kumusoro, imi Mwari, iyemi makaita zvinhu zvikuru. Haiwa Mwari, ndiani akafanana nemi?
20. Kunyange imi makandiratidza matambudziko mazhinji uye anorwadza, muchadzosa upenyu hwangu zvakare; kubva kwakadzika kwepasi muchandibudisazve.
21. Muchawedzera kukudzwa kwangu, uye muchandinyaradzazve.
22. Ndichakurumbidzai nembira nokuda kwokutendeka kwenyu, imi Mwari wangu; ndichakurumbidzai nenziyo nomutengeranwa, imi Mutsvene woga waIsraeri.
23. Miromo yangu ichadanidzira nomufaro pandinokurumbidzai nenziyo, iyeni, wamakadzikinura.
24. Rurimi rwangu ruchataura nezvamabasa enyu akarurama zuva rose, nokuti avo vaida kundikuvadza vanyadziswa uye vakanganiswa.