11. Shamwari dzangu dzakandisesedza pakupinda kwangu muDhamasiko, nokuti kuvaima kwechiedza kwakanga kwandi-pofumadza.
12. “Murume ainzi Ananiasi akauya kuzondiona. Akanga akazvipira pakunamata Mwari nokucherechedza murayiro uye aikudzwa zvikuru navaJudha vose vaigaramo.
13. Akamira neni akati, ‘Hama Pauro, chiona!’ uye nenguva yakare iyoyo ndakakwanisa kumuona.
14. “Ipapo akati, ‘Mwari wamadzibaba edu akusarudza iwe kuti uzive kuda kwake uone Iye Akarurama uye unzwe mashoko anobva mumuromo make.
15. Uchava chapupu chake kuvanhu vose, chezvawakaona nezvawakanzwa.
16. Saka zvino wakamirireiko? Simuka ubhabhatidzwe usukwe zvivi zvako, udane kuzita rake.’
17. “Pandakadzokera kuJerusarema, uye ndichinyengetera ndiri mutemberi, ndakabatwa nomweya
18. ndikaona Ishe achitaura kwandiri achiti, ‘Kurumidza kubva muJerusarema izvozvi, nokuti vanhu havangagamuchiri uchapupu hwako.’
19. “Ndakapindura ndikati, ‘Ishe, vanhu ava vanoziva kuti ndakanga ndichienda musinagoge rimwe nerimwe kuti ndinosunga uye ndirove vaya vaitenda kwamuri.
20. Uye pavakateura ropa raSitefani chapupu chenyu, ndakanga ndimirepo ndichitenderana nazvo uye ndakachengeta nhumbi dzaivo vaimuuraya.’
21. “Ipapo Ishe akati kwandiri, ‘Enda, nokuti ndichakutuma kure kuvaHedheni.’ ”
22. Vanhu vakamuteerera kusvikira ataura izvi. Ipapo vakadanidzira vachiti, “Mubvisei panyika! Haafaniri kurarama!”