Joshua 18:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ungano yose yavaIsraeri yakaungana paShiro vakadzikapo Tende Rokusangana. Nyika yakanga yava pasi pavo,

2. Asi kwakanga kwasara marudzi manomwe avaIsraeri akanga asati agoverwa nhaka yawo.

3. Saka Joshua akati kuvaIsraeri, “Muchamirira kusvika rinhiko musati matora nyika yamakapiwa naJehovha Mwari wamadzibaba enyu?

4. Zvitsaurirei varume vatatu kurudzi rumwe norumwe. Ndichavatuma kuti vanoshora nyika uye kuti vagonyora vachirondedzera zvayakaita maererano nenhaka imwe neimwe. Ipapo vachadzoka kwandiri.

5. Munofanira kuganhura kuti iite zvikamu zvinomwe. Judha anofanira kuramba ari munyika yezasi uye imba yaJosefa munyika yokumusoro.

6. Mushure mokunge manyora rondedzero yezvikamu zvinomwe zvenyika, muuye nazvo kwandiri ndigokukandirai mujenya pamberi paJehovha Mwari wenyu.

7. Kunyange zvakadaro hazvo, vaRevhi havawani mugove pakati penyu, nokuti uprista hwaJehovha ndihwo nhaka yavo. Uye Gadhi, Rubheni norudzi rwehafu rwaManase vakapiwa kare nhaka yavo kumabvazuva kweJorodhani. Mozisi muranda waJehovha ndiye akavapa nhaka iyoyo.”

8. Varume vakati vaenda kundotara muganhu wenyika, Joshua akavarayira achiti, “Endai mundoshora nyika mugonyora rondedzero yayo. Ipapo mugodzoka kwandiri, uye ndichakukandirai mujenya pano paShiro pamberi paJehovha.”

9. Saka varume vakaenda, vakafamba nenyika. Vakanyora rondedzero yayo mubhuku, guta neguta, muzvikamu zvinomwe, ndokudzokera kuna Joshua kumusasa paShiro.

10. Ipapo Joshua akavakandira mujenya muShiro pamberi paJehovha, ndokugovera vaIsraeri nyika ipapo maererano namarudzi avo.

11. Rudzi rwaBenjamini rwakapiwa mugove warwo, imba neimba. Nyika yavakagoverwa yakanga iri pakati pamarudzi aJudha neaJosefa:

12. Kumusoro muganhu wavo waitangira paJorodhani, uchipfuura nokumusoro kwamateru eJeriko ndokunanga kumavirira okunyika yamakomo, uchindobuda kurenje reBheti Avheni.

13. Kubva ikoko wakayambukira kumateru ezasi kweRuzi (iro Bheteri) uchizoburukira kuAtaroti Adhari pagomo riri zasi kweBheti Horoni yezasi.

14. Kubva pachikomo chakatarisana neBheti Horoni nechokumusoro, muganhu wakadzokera zasi kudivi rokumavirira ndokundobudira paKiriati Bhaari (iro Kiriati Jearimi), guta ravanhu veJudha. Iri ndiro raiva divi rokumavirira.

15. Rutivi rwezasi rwakatangira panogumira Kiriati Jearimi kumavirira, uye muganhu wakandobudira patsime remvura zhinji reNefitoa.

Joshua 18