Johani 12:14-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Jesu akati awana mwana wembongoro, akagara pamusoro pake, sezvazvakanyorwa zvichinzi:

15. “Usatya iwe Mwanasikana weZioni;tarira, mambo wako ari kuuya,akagara pamusoro pomwana wembongoro.”

16. Vadzidzi vake havana kuzvinzwisisa pakutanga. Vakazoyeuka shure kwokunge Jesu akudzwa, kuti zvinhu izvi zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake, uye kuti vakanga vaita izvozvo kwaari.

17. Zvino vanhu vazhinji vakanga vanaye paakadana Razaro kubva muguva uye akamumutsa kubva kuvakafa vakaramba vachiparadzira shoko iri.

18. Vanhu vazhinji, vakabuda kundosangana naye nokuda kwokuti vakanga vanzwa kuti akanga aita chiratidzo ichi.

19. Saka vaFarisi vakataurirana vakati, “Onai, hakuna kwatinosvika nazvo izvi. Tarirai kuti nyika inoenda sei kwaari!”

20. Zvino kwakanga kuna vamwe vaGiriki pakati paavo vakanga vakwira kuMutambo kundonamata.

21. Vakauya kuna Firipi, uyo akanga achibva kuBhetisaidha muGarirea, vaine chikumbiro. Vakati, “Ishe, tinoda kuona Jesu.”

22. Firipi akaenda kundoudza Andirea; Andirea naFiripi vakazoudzawo Jesu.

23. Jesu akapindura akati, “Nguva yasvika yokuti mwanakomana woMunhu akudzwe.

24. Ndinokuudzai chokwadi, kana tsanga yegorosi ikasawira muvhu ikafa, inongoramba ichingova yoga. Asi kana ikafa, inobereka mbeu dzakawanda.

Johani 12