Jeremia 44:6-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Naizvozvo kutsamwa kwangu kunotyisa kwakadururwa; kukapisa maguta eJudha uye nenzira dzeJerusarema ndikazviparadza zvikava matongo sezvazvakaita nhasi.

7. “Zvino, zvanzi naJehovha, Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Munouyisireiko njodzi yakakura kudai pamusoro penyu nokuparadzira kubva kuJudha varume navakadzi, navana, navacheche nokudaro muchisara musina kana nomumwe?

8. Munonditsamwisireiko nezvamunoita namaoko enyu, muchipisira zvinonhuwira kuna vamwe vamwari vomuIjipiti kwamakaenda kundogara? Muchazviparadza pachenyu mukazviita chinhu chinotukwa nechinozvidzwa pakati pendudzi dzose dzepanyika.

9. Makanganwa here zvakashata zvakaitwa namadzibaba enyu namadzimambo navanamambokadzi veJudha uye zvakashata zvakaitwa nemi navakadzi venyu munyika yeJudha nomunzira dzeJerusarema?

10. Kusvikira pazuva ranhasi havana kuzvininipisa kana kuratidza rukudzo, kana kutevera murayiro wangu nezvirevo zvangu zvandakatema pamberi penyu napamberi pamadzibaba enyu.

11. “Naizvozvo, zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Ndafunga kuuyisa njodzi pamusoro penyu nokuparadza Judha yose.

12. Ndichabvisa vakasara veJudha vakanga vashinga kuenda kuIjipiti kundogarako. Vose vachafira muIjipiti, vachafa nomunondo kana kufa nenzara. Kubva kumuduku kusvikira kumukuru, vachafa nomunondo kana nenzara. Vachava chinhu chinotukwa nechinosemwa, chinhu chinoshorwa nechinonyadzisa.

13. Ndicharanga vaya vanogara kuIjipiti nomunondo, nenzara uye nedenda sokuranga kwandakaita Jerusarema.

14. Hakuna kuna vakasara veJudha vakaenda kunogara kuIjipiti vangapukunyuka kana kurarama kuti vadzoke kunyika yeJudha, uko kwavanoshuva kuti vadzokere kundogara; hakuna achadzoka kunze kwavashoma vakatiza.”

15. Ipapo varume vose vaiziva kuti vakadzi vavo vaipisira zvinonhuwira kuna vamwe vamwari, pamwe chete navakadzi vose vaivapo, ungano huru, navanhu vose vakanga vagere nokumusoro zasi kweIjipiti, vakati kuna Jeremia,

16. “Hatingateereri shoko rawakataura kwatiri muzita raJehovha!

17. Zvirokwazvo tichaita zvinhu zvose zvatakati tichaita. Tichapisira zvinonhuwira kuna Mambokadzi woKudenga nokumudururira zvipiriso zvokunwa sezvatakaita isu namadzibaba edu, namadzimambo edu uye namachinda edu mumaguta eJudha nomunzira dzomuJerusarema. Panguva iyoyo takanga tine zvokudya zvizhinji uye takanga tigere zvakanaka tisina zvaitirwadza.

Jeremia 44