1. Ipapo vakuru vose vehondo, pamwe chete naJohanani mwanakomana waKarea naJezania mwanakomana waHoshaya, navanhu vose kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru vakasvika,
2. kuna Jeremia muprofita vakati kwaari, “Tapota inzwai chikumbiro chedu mutinyengeterere kuna Jehovha Mwari wenyu nokuda kwavose ava vakasara. Nokuti sezvamunoona zvino, kuti kunyange taiva vazhinji, iye zvino kwangosara vashoma chete.
3. Nyengeterai kuti Jehovha Mwari wenyu atiudze kwatinofanira kuenda uye zvatinofanira kuita.”
4. Jeremia muprofita akapindura achiti, “Ndakunzwai. Zvirokwazvo ndichakunyengetererai kuna Jehovha Mwari wenyu sezvamakumbira, ndichakuzivisai zvinhu zvose zvicharehwa naJehovha uye handingambokuvanzirai chinhu.”
5. Ipapo vakati kuna Jeremia, “Jehovha ngaave chapupu chezvokwadi uye chakatendeka pamusoro pedu kana tisingaiti zvose zvamunenge matumwa kuzotiudza naJehovha.
6. Kana zvakanaka, kana zvisina kunaka tichateerera Jehovha Mwari wedu, watinokutumai kwaari kuti zvigotiitira zvakanaka, nokuti tichateerera Jehovha Mwari wedu.”
7. Mazuva gumi akati apera, shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia.