1. Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha:
2. “Teererai kumitemo yesungano iyi mugoizivisa kuvanhu veJudha nokuna vanogara muJerusarema.
3. Muvaudze kuti zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Akatukwa munhu asingateereri mitemo yesungano iyi,
4. mitemo yandakarayira madzitateguru enyu pandakavabudisa muIjipiti kubva muchoto chamatare.’ Ndakati, “Nditeererei mugoita zvose zvandinokurayirai, mugova vanhu vangu, ini ndigova Mwari wenyu.
5. Ipapo ndichazadzisa mhiko yandakapika kumadzitateguru enyu, kuti ndichavapa nyika inoyerera mukaka nouchi, nyika yava yenyu nhasi.” Ndakapindura ndichiti, “Ameni, Jehovha.”
6. Jehovha akati kwandiri, “Paridza mashoko aya ose mumaguta eJudha nomumigwagwa yeJerusarema uchiti, ‘Teererai mitemo yesungano iyi muitevere.
7. Kubva panguva yandakabudisa madzitateguru enyu kubva muIjipiti kusvikira nhasi, ndakavayambira ndavayambirazve ndichiti, “Nditeererei.”