4. Ishe Jehovha akandipa rurimi rwakadzidziswa, kuziva shoko rinosimbisa vakarukutika. Anondimutsa mangwanani namangwanani, anomutsa nzeve yangu kuti iteerere somunhu anodzidziswa.
5. Ishe Jehovha akazarura nzeve dzangu, uye handina kumumukira; handina kudzokera shure.
6. Ndakapa musana wangu kuna avo vaindirova, namatama angu kuna avo vakadzura ndebvu dzangu; Handina kuvanza chiso changu pakusekwa nokupfirwa mate.
7. Nokuti Ishe Jehovha anondibatsira, handizonyadziswi. Naizvozvo ndakaita kuti chiso changu chive sebwe romusarasara, uye ndinoziva kuti handizonyadziswi,