Isaya 48:8-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Hauna kumbonzwa kana kunzwisisa; kubva kare nzeve yako yakanga isina kudziurwa. Ndinoziva kwazvo kuti uri munyengeri akadii; wakanzi mhandu kubva pakuzvarwa kwako.

9. Nokuda kwezita rangu ndinononoka kutsamwa; nokuda kwokurumbidzwa kwangu ndinozvidzora pamusoro pako, kuti ndisakuparadza.

10. Tarira, ndakakunatsa, kunyange zvisina kuita sesirivha; ndakakuedza muchoto chokutambudzika.

11. Nokuda kwangu, nokuda kwangu, ndinoita izvi. Ko, ndingaregererei zita rangu richimhurwa? Handingapi kukudzwa kwangu kuno mumwe.

12. “Nditeerere, iwe Jakobho, Israeri, wandakadaidza; ndini iye: ndini wokutanga uye ndini wokupedzisira.

13. Ruoko rwangu ndirwo rwakateya nheyo dzenyika, uye ruoko rwangu rworudyi rwakatambanudza matenga; pandinozvidana, zvose zvinomira pamwe chete.

14. “Unganai pamwe chete, imi mose muteerere; Ndechipiko chimwe chezvifananidzo chakakuudzai kuti zvinhu izvi zvichaitika? Iye anodikanwa naJehovha achaita zvakarongwa naJehovha pamusoro peBhabhironi; ruoko rwake rucharwisa vaBhabhironi.

Isaya 48