1. “Buruka, ugare muguruva, iwe Mhandara yeBhabhironi; gara pasi usina chigaro choushe, iwe Mhandara yavaBhabhironi. Hauchazonzi uri munyoro kana munhu akapfava.
2. Tora makuyo ukuye upfu; bvisa vhoiri rako. Fukura nguo dzako, makumbo ako aonekwe, uyambuke hova.
3. Kushama kwako kuchava pachena, uye kunyadzwa kwako kuchaonekwa. Ndichatsiva; handizosiyi munhu.”
4. Mudzikinuri wedu, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake; ndiye Mutsvene waIsraeri.
5. “Gara unyerere, enda murima, Mhandara yavaBhabhironi; hauchazonzi mambokadzi woumambo noumambo.
6. Ndakatsamwira vanhu vangu ndikasvibisa nhaka yangu; ndakavapa muruoko rwako, iwe ukasavanzwira ngoni. Kunyange vakakwegura wakavatakudza joko rinorema kwazvo.
7. Wakati, ‘Ndicharamba ndiri mambokadzi nokusingaperi!’ Asi hauna kufunga zvinhu izvi, kana kucherechedza zvaizogona kuitika.
8. “Naizvozvo zvino, chinzwa, iwe chisikwa chisingagutsikani, ugere zvakachengetedzeka, uchiti, mumwoyo mako, ‘Ndini, hakuna mumwe kunze kwangu. Handizovi chirikadzi, uye handizotambudziki nokurasikirwa navana.’