1. “Zvanzi naJehovha kumuzodziwa wake, kuna Sirasi, ane ruoko rworudyi rwandakabata kuti akunde ndudzi pamberi pake, uye kuti atorere madzimambo zvombo zvavo, kuti ndizarure mikova pamberi pake, masuo agorega kupfigwa:
2. Ndichaenda mberi kwako uye ndichaenzanisa makomo; ndichaputsa masuo endarira uye ndichacheka ndigopinda napamazariro esimbi.
3. Ndichakupa pfuma yerima, upfumi hwakavigwa panzvimbo dzakavanda, kuti uzive kuti ndini Jehovha, Mwari waIsraeri, anokudana nezita rako.
4. Nokuda kwaJakobho muranda wangu, nokwaIsraeri musanangurwa wangu, ndinokudana nezita rako, uye ndinoisa pamusoro pako zita rokukudzwa, kunyange iwe usingandizivi.
5. Ndini Jehovha, uye hakuna mumwe; kunze kwangu ini hakuna Mwari. Ndichakusimbisa, kunyange usina kundiziva,
6. kuti kubva kumabudazuva kusvikira kwarinovirira, vanhu vazive kuti hakuna mumwe kunze kwangu. Ndini Jehovha uye hakuna mumwe.
7. Ndinoumba chiedza uye ndinosika rima, ndinoita rugare uye ndinosika njodzi; ini Jehovha, ndini ndinoita zvinhu izvi zvose.
8. “Imi matenga kumusoro, nayisai kururama; makore ngaakudonhedze pasi. Nyika ngaizaruke kwazvo, ruponeso ngarutubuke, kururama ngakukure pamwe chete narwo; ini Jehovha, ndini ndakazvisika.
9. “Ane nhamo uyo anokakavadzana noMuiti wake, iye anongova chaenga pakati pezvaenga pamusoro pevhu. Ko, ivhu ringati kumuumbi, ‘Uri kugadzirei?’ Ko, basa rako rinoti here, ‘Uyu haana maoko?’
10. Ane nhamo uyo anoti kuna baba vake, ‘Chiiko chamakabereka?’ kana kuna mai vake, ‘Chiiko chamakazvara?’