5. Uye kubwinya kwaJehovha kucharatidzwa, uye marudzi ose avanhu achazviona. Nokuti muromo waJehovha wazvitaura.”
6. Inzwi rinoti, “Danidzirai.” Ini ndokuti, “Ndodanidzireiko?”“Vanhu vose vakaita souswa, uye kubwinya kwavo kwose kwakaita samaruva omunda.
7. Uswa hunooma uye maruva anowa, nokuti mweya waJehovha unofuridzira pamusoro pazvo. Zvirokwazvo vanhu uswa.
8. Uswa hunooma uye maruva anowa, asi shoko raMwari wedu rinogara nokusingaperi.”
9. Imi munoparidzira Zioni zvinhu zvakanaka, kwirai pagomo refu. Imi munoparidzira Jerusarema mashoko akanaka, danidzirai nesimba, musatya; muti kumaguta eJudha, “Hoyu Mwari wenyu!”
10. Tarirai, Ishe Jehovha ari kuuya nesimba, uye ruoko rwake runomubatira ushe. Tarirai, mubayiro wake anawo, uye zvaanoripira nazvo anazvo.