Isaya 37:6-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Isaya akati kwavari, “Udzai ishe wenyu kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Usatya hako zvawakanzwa, mashoko andakamhurwa nawo navaranda vamambo weAsiria.

7. Teererai! Ndichaisa mweya maari wokuti akangonzwa rimwe guhu, achadzokera kunyika yake, uye ikoko, ndichaita kuti aurayiwe nomunondo.’ ”

8. Mukuru wehondo akati anzwa kuti mambo weAsiria akanga abva kuBhakishi, akadzoka akawana mambo achirwa neRibhina.

9. Zvino Senakeribhi akagamuchira mashoko okuti Tirihaka, muEtiopia mambo weIjipiti, akanga achiuya kuzorwa naye. Akati anzwa izvozvo, akatuma nhume kuna mambo Hezekia neshoko iri rokuti:

10. “Udzai Hezekia mambo weJudha muti: Mwari waunovimba naye ngaarege kukunyengera achiti, ‘Jerusarema harizoiswa muruoko rwamambo weAsiria.’

11. Zvirokwazvo wakanzwa zvakaitwa namadzimambo eAsiria kunyika dzose vachidziparadza chose. Zvino iwe ucharwirwa here?

12. Ko, vamwari vamamwe marudzi akaparadzwa namadzibaba angu vakavarwira here, vamwari veGezani, neHarani neRezefi navanhu vokuEdheni vakanga vari kuTeri Asari?

13. Mambo weHamati aripiko, namambo weArifadhi namambo weguta reSefarivhaimi, kana Hena kana Ivha?”

14. Hezekia akagamuchira tsamba kubva mumaoko enhume, akaiverenga. Ipapo akakwira kutemberi yaJehovha akaitambanudza pamberi paJehovha.

15. Uye Hezekia akanyengetera kuna Jehovha achiti,

16. “Haiwa Jehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, mugere pakati pamakerubhimi, imi moga ndimi Mwari aripo pamusoro poumambo hwose hwenyika. Makasika denga nepasi.

17. Rerekai nzeve yenyu, Jehovha, munzwe; zarurai meso enyu, Jehovha muone; teererai mashoko ose aSenakeribhi aakatuma kuzozvidza nawo Mwari mupenyu.

Isaya 37