Isaya 24:6-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Naizvozvo kutuka kunoparadza nyika, vanhu vayo vanofanira kuzvitakurira mhosva dzavo. Naizvozvo vagari vomunyika vopiswa, uye vashoma ndivo vasara.

7. Waini itsva yapwa uye muzambiringa wauna; vose vanoda mafaro vogomera.

8. Kufadza kwamakandira kwanyaradzwa, kupembera kwavapururudzi kwapera, rudimbwa rwomufaro rwanyaradzwa.

9. Havangazonwi waini vachiimba rwiyo; doro rava kuvava kuvanwi varo.

10. Guta rakoromorwa rava dongo; mukova wokupinda mudzimba dzose wapfigwa.

11. Vochemera waini mumigwagwa; mufaro wose washanduka wava kusuwa, mupururu wabviswa panyika.

12. Guta rasara rava dongo, masuo aro aputswa-putswa.

13. Ndizvo zvazvichaita munyika napakati pendudzi, zvichafanana nokuzunzwa kwomuorivhi, kana sezvinosara pakunongwa shure kwegohwo ramazambiringa.

14. Vanosimudza manzwi avo, vanopururudza nomufaro; kubva kumavirira vanoparidza zvoukuru hwaJehovha.

Isaya 24