Isaya 24:4-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Nyika iri kuoma uye iri kuunyana, pasi pose panorwadziwa uye panounyana, vanokudzwa venyika vanopera simba uye vanorwadziwa.

5. Nyika inosvibiswa navanhu vayo; havana kuteerera mirayiro, vakapandukira mitemo uye vakaputsa sungano isingaperi.

6. Naizvozvo kutuka kunoparadza nyika, vanhu vayo vanofanira kuzvitakurira mhosva dzavo. Naizvozvo vagari vomunyika vopiswa, uye vashoma ndivo vasara.

7. Waini itsva yapwa uye muzambiringa wauna; vose vanoda mafaro vogomera.

8. Kufadza kwamakandira kwanyaradzwa, kupembera kwavapururudzi kwapera, rudimbwa rwomufaro rwanyaradzwa.

9. Havangazonwi waini vachiimba rwiyo; doro rava kuvava kuvanwi varo.

10. Guta rakoromorwa rava dongo; mukova wokupinda mudzimba dzose wapfigwa.

11. Vochemera waini mumigwagwa; mufaro wose washanduka wava kusuwa, mupururu wabviswa panyika.

12. Guta rasara rava dongo, masuo aro aputswa-putswa.

13. Ndizvo zvazvichaita munyika napakati pendudzi, zvichafanana nokuzunzwa kwomuorivhi, kana sezvinosara pakunongwa shure kwegohwo ramazambiringa.

14. Vanosimudza manzwi avo, vanopururudza nomufaro; kubva kumavirira vanoparidza zvoukuru hwaJehovha.

Isaya 24