Isaya 21:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Chirevo pamusoro peRenje riri pedyo neGungwa: Kufanana nechamupupuri chinovhuvhuta nomunyika yezasi, mupambi anouya achibva kurenje, kubva kunyika inotyisa.

2. Ndaratidzwa chiratidzo chinorwadza. Mupanduki anopanduka, muparadzi anotora zvokupamba Eramu, rwisa! Medhia, vandira! Ndichagumisa kugomera kwose kwaakaita kuti kuvepo.

3. Naizvozvo chiuno changu chakazara nokurwadziwa; marwadzo akandibata, kufanana nomukadzi ari kusununguka; ndiri kudzedzereka nezvandinonzwa, ndakanganisika nezvandinoona.

4. Mwoyo wangu woziya, kutya kwondidederesa; rubvunzavaeni rwandaishuva rwava chinyangadzo kwandiri.

5. Vanogadzira matafura, vanowaridza micheka pasi, vanodya, vanonwa! Simukai, imi machinda, zadzai nhoo!

6. Zvanzi naIshe kwandiri, “Endai, mundogadza nharirire uye muite kuti azivise zvaanoona.

Isaya 21