Isaya 16:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Tumirai mutero wamakawana kumubati wenyika, kubva kuSera, zvichiyambukira kurenje, kugomo roMwanasikana weZioni.

2. Kufanana neshiri yadzungaira ichisundidzirwa kubva mudendere, ndizvo zvakaita vakadzi veMoabhu pamazambuko eAmoni.

3. “Tipeiwo zano, ruramisirai. Ita mumvuri wako kuti ufanane nousiku, pamasikati makuru. Viga vatizi, usapandukira vapoteri.

4. Rega vatizi veMoabhu vagare newe, iva utiziro hwavo kubva kumuparadzi.”Mutambudzi achasvika kumagumo, uye kuparadza kuchapera; mudenhi achatsakatika panyika.

5. Murudo, chigaro choushe chichasimbiswa; mukutendeka, munhu achagarapo, mumwe anobva kuimba yaDhavhidhi, uyo anoti achitonga anotsvaka kururamisira, uye achikurumidza kuita zvakarurama.

6. Takanzwa nezvokuzvikudza kwaMoabhu, namanyawi ake makuru uye kuzvida kwake, kuzvikudza kwake nokuvirima kwake, asi kuzvirumbidza kwake hakuna maturo.

7. Naizvozvo vaMoabhu voungudza, vanoungudzira Moabhu pamwe chete. Chemai musuwe nokuda kwavarume veKiri Hareseti.

8. Minda yeHeshibhoni yaoma uye mazambiringa eSibhima aomawo. Vatongi vamarudzi vatsika-tsika mizambiringa yakaisvonaka, iyo yambosvika kuJazeri uye yaitandira yakananga kurenje. Mabukira ayo aitandira kusvika kugungwa.

9. Saka ndinochema, sokuchema kweJezeri, nokuda kwemizambiringa yeSibhima. Haiwa Heshibhoni, haiwa Ereare, ndichakudiridza nemisodzi! Ruzha rwomufaro pamusoro pemizambiringa yakaibva napamusoro pezvamakakohwa rwanyararidzwa.

10. Mufaro nokufarisisa zvabviswa paminda yemizambiringa; hapana anoimba kana kuita ruzha muminda yemizambiringa; hapana anosvina waini pazvisviniro, nokuti ndagumisa ruzha rwacho.

Isaya 16