Isaya 11:12-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Achasimudzira marudzi mureza uye achaunganidza vakadzingwa vaIsraeri; achaunganidza vakaparadzirwa vavanhu veJudha, kubva kumativi mana enyika.

13. Godo raEfuremu richapera uye, vavengi vavaJudha vachagurwa; Efuremu haachazovi negodo naJudha, naJudha haangaitire Efuremu hasha.

14. Asi vachawira pamusoro pamateru eFiristia kumavirazuva; pamwe chete vachapamba vanhu vokumabvazuva. Vachatora Edomu neMoabhu, uye vaAmoni vachava varanda vavo.

15. Jehovha achaomesa chose chikamu chegungwa reIjipiti; nemhepo inopisa achatsvaira noruoko rwake pamusoro peRwizi rweYufuratesi. Acharukamura-kamura agoruita hova nomwe, kuitira kuti vanhu vagone kuyambuka vachienda mhiri vakapfeka shangu.

16. Pachava nomugwagwa wavanhu vake vakasara, vakasiyiwa kubva kuAsiria, sezvazvakanga zviri kuvaIsraeri pavakabva kuIjipiti.

Isaya 11