12. Achasimudzira marudzi mureza uye achaunganidza vakadzingwa vaIsraeri; achaunganidza vakaparadzirwa vavanhu veJudha, kubva kumativi mana enyika.
13. Godo raEfuremu richapera uye, vavengi vavaJudha vachagurwa; Efuremu haachazovi negodo naJudha, naJudha haangaitire Efuremu hasha.
14. Asi vachawira pamusoro pamateru eFiristia kumavirazuva; pamwe chete vachapamba vanhu vokumabvazuva. Vachatora Edomu neMoabhu, uye vaAmoni vachava varanda vavo.
15. Jehovha achaomesa chose chikamu chegungwa reIjipiti; nemhepo inopisa achatsvaira noruoko rwake pamusoro peRwizi rweYufuratesi. Acharukamura-kamura agoruita hova nomwe, kuitira kuti vanhu vagone kuyambuka vachienda mhiri vakapfeka shangu.
16. Pachava nomugwagwa wavanhu vake vakasara, vakasiyiwa kubva kuAsiria, sezvazvakanga zviri kuvaIsraeri pavakabva kuIjipiti.