1. Jakobho akanzwa kuti vanakomana vaRabhani vakanga vachiti, “Jakobho atora zvose zvaiva zvababa vedu uye awana upfumi hwose uhu kubva kune zvaiva zvababa vedu.”
2. Uye Jakobho akaona kuti ndangariro dzaRabhani kwaari dzakanga dzisisina kuita sapakutanga.
3. Ipapo Jehovha akati kuna Jakobho, “Dzokera kunyika yamadzibaba ako nokuhama dzako, uye ndichava newe.”
4. Saka Jakobho akatuma shoko kuna Rakeri naRea kuti vauye kusango kwakanga kuna makwai ake.
5. Akati kwavari, “Ndinoona kuti ndangariro dzababa venyu kwandiri hadzisisina kuita sezvadzakanga dzakaita kare, asi Mwari wababa vangu aneni.
6. Munoziva kuti ndakashandira baba venyu nesimba rangu rose,
7. asi baba venyu vakandinyengera nokushandura-shandura mubayiro wangu kagumi kose. Kunyange zvakadaro hazvo, Mwari haana kuvatendera kuti vandikuvadze.
8. Pavakati, ‘Zvina mavara zvichava mubayiro wako,’ ipapo zvipfuwo zvose zvakabereka zvina mavara, uye pavakati, ‘Zvine mitsetse zvichava mubayiro wako,’ ipapo zvipfuwo zvose zvakaberekwa zvine mitsetse.
9. Saka Mwari akatora zvipfuwo zvababa venyu akazvipa kwandiri.
10. “Panguva yokubereka kwezvipfuwo, ndakarota dzimwe hope dzokuti ndakatarira ndikaona kuti nhongo dzembudzi dzaisangana nezvipfuwo dzakanga dzine mitsetse, dzina mavara kana kuti dzina makwapa.
11. Mutumwa waMwari akati kwandiri mukurota, ‘Jakobho,’ ini ndikapindura ndikati, ‘Ndiri pano.’