Genesisi 30:8-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Ipapo Rakeri akati, “Ndakava nokurwa kukuru nomukoma wangu, uye ndikakunda.” Saka akatumutumidza zita rokuti Nafutari.

9. Rea akati aona kuti aguma kubereka vana, akatora murandakadzi wake Ziripa akamupa kuna Jakobho somukadzi wake.

10. Ziripa murandakadzi waRea akaberekera Jakobho mwanakomana.

Genesisi 30