Genesisi 26:29-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

29. yokuti iwe hauzotiitiri zvakaipa, sezvo isu tisina kukubata zvakaipa asi takaramba tichikuitira zvakanaka uye tikakuendesa norugare. Uye zvino waropafadzwa naJehovha.”

30. Ipapo Isaka akavaitira mutambo, uye vakadya uye vakanwa.

31. Mangwanani akatevera varume ava vakapikirana. Ipapo Isaka akavaendesa parwendo rwavo, uye vakamusiya murugare.

32. Musi iwoyo varanda vaIsaka vakauya vakamuudza nezvetsime ravakanga vachera. Vakati, “Tawana mvura!”

Genesisi 26