Ezira 5:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino muprofita Hagai naZekaria muprofita, chizvarwa chaIdho, vakaprofita kuvaJudha vakanga vari muJudha muJerusarema, vakaprofita muzita raMwari waIsraeri, akanga ari pamusoro pavo.

2. Ipapo Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri naJeshua mwanakomana waJozadhaki, vakasimuka kuti vaite basa rokuvakazve imba yaMwari muJerusarema. Uye vaprofita vaMwari vakanga vanavo, vachivabatsira.

3. Panguva iyoyo Tatenai, mubati wenyika yaiva mhiri kwaYufuratesi, naShatari-Bhozenai neshamwari dzavo vakaenda kwaari uye vakandomubvunza, vachiti, “Ndiani akakupai mvumo yokuvakazve temberi iyi uye nokumisazve masvingo aya?”

4. Vakabvunzazve vakati, “Mazita avarume vari kuvaka imba iyi ndivana ani?”

5. Asi ziso raMwari wavo rakanga rakatarira pamusoro pavakuru vavaJudha, uye havana kuvaregesa basa kusvikira nyaya iyi yaziviswa kuna Dhariasi uye mhinduro yake yakanyorwa yagamuchirwa.

6. Aya ndiwo mashoko etsamba yakanyorerwa mambo Dhariasi naTatenai, mubati mhiri kwaYufuratesi, naShetari-Bhozenai, neshamwari dzavo, namakurukota vakanga vari mhiri kwaYufuratesi.

7. Tsamba yavakatumira kwaari yakanga ina mashoko anoti: Kuna Mambo Dhariasi: Tinokukwazisai.

Ezira 5