Panguva iyoyo Tatenai, mubati wenyika yaiva mhiri kwaYufuratesi, naShatari-Bhozenai neshamwari dzavo vakaenda kwaari uye vakandomubvunza, vachiti, “Ndiani akakupai mvumo yokuvakazve temberi iyi uye nokumisazve masvingo aya?”