Ezekieri 31:4-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Mvura zhinji yakaukwira, zvitubu zvakadzika zvakaita kuti urebe, hova dzazvo dzakayerera dzichipoteredza hunde yacho, uye dzinotumira mironga yadzo kumiti yose yesango.

5. Saka wakareba kwazvo kupfuura miti yose yesango, mativi awo akawanda uye matavi awo akareba, achitandavara nokuda kwemvura zhinji.

6. Shiri dzose dzedenga dzakavakira matendere adzo pamatavi awo, mhuka dzose dzesango dzakaberekera pasi pamatavi awo; ndudzi dzose huru dzakagara pamumvuri wawo.

7. Wakanga uchiyevedza parunako, namatavi awo akatandavara, nokuti midzi yawo yaidzika pasi kune mvura zhinji.

8. Misidhari yomubindu raMwari yakanga isingagoni kuukunda, uye miti yomupaini yakanga isingaenzani namatavi awo, uye miti yemipaini hayaienzaniswa namatavi awo, hakuna muti mubindu raMwari waienzana nawo pakunaka.

9. Ndakaita kuti uve unoyevedza una matavi akawanda, zvikagodora miti yose yomuEdheni mubindu raMwari.

10. “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Nemhaka yokuti wakareba kwazvo, uchisimudzira manhengenya awo pamatavi akapfumvutira, uye nemhaka yokuti wakazvikudza nokuda kwokureba kwawo,

11. ndakauisa kumutongi wendudzi, kuti vamuitire zvakafanira kuipa kwawo. Ndakaukanda padivi,

12. uye rudzi rwakaipisisa kundudzi dzavatorwa rwakautemera pasi ndokuusiya. Matavi awo akawira pamakomo nomumipata yose; matavi awo ose akavhunira muhova dzose dzenyika. Ndudzi dzose dzomunyika dzakabva pasi pomumvuri wawo dzikausiya.

Ezekieri 31