Ekisodho 25:31-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

31. “Uite chigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka uye ugoipambadzira pasi payo pamwe chete nerwiriko rwayo; mbiya dzayo, mabukira namaruva acho zvichava chinhu chimwe chete nacho.

32. Matavi matanhatu anofanira kutambarara achibva mumativi echigadziko chomwenje, matatu kuno rumwe rutivi uye matatu kuno rumwezve.

33. Mikombe mitatu yakaumbwa samaruva omuarimondi namabukira uye namaruva zvinofanira kuva padavi rimwe chete, matatu kune rimwe davi, uye zvimwe chetezvo kumativi matanhatu ose anotambarara kubva pachigadziko chomwenje.

34. Uye pachigadziko chomwenje panofanira kuva nemikombe mina yakaumbwa samaruva omuarimondi ane mabukira namaruva.

35. Bukira rimwe chete richava pasi pamatavi maviri okutanga anotambarara kubva pachigadziko chomwenje, bukira rechipiri riri pasi pamamwe matavi maviri, uye bukira rechitatu riri pasi pamamwezve pamatavi maviri, mativi ose ari matanhatu.

36. Mabukira namatavi achava ebandi rimwe chete nechigadziko chomwenje, negoridhe rakaisvonaka rakapambadzirwa.

37. “Ipapo ugoita mwenje yacho minomwe uye ugoigadzika pamusoro pacho kuitira kuti zvigovhenekera nzvimbo iri mberi kwacho.

38. Mbato dzacho nendiro dzacho zvinofanira kuva zvegoridhe rakaisvonaka.

39. Tarendai regoridhe rakaisvonaka rinofanira kushandiswa pachigadziko chomwenje nemimwe midziyo yose iyi.

40. Uone kuti wazviita zvichienderana nomufananidzo wawakaratidzwa pagomo.

Ekisodho 25