Ekisodho 21:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Iyi ndiyo mirayiro yaunofanira kumisa pamberi pavo:

2. “Kana ukatenga muranda wechiHebheru, anofanira kukushandira kwamakore matanhatu. Asi mugore rechinomwe, anofanira kusunungurwa aende, asina chinhu chaanoripa.

3. Kana akauya ari oga, anofanira kusunungurwa aende ari oga; asi kana ano mukadzi pakuuya kwake, anofanira kuenda nomukadzi wake.

4. Kana tenzi wake akamupa mukadzi uye akamuberekera vanakomana kana vanasikana, mukadzi navana vake vachava vatenzi wake, uye murume chete ndiye achasunungurwa kuti aende hake.

5. “Asi muranda akati, ‘Ndinoda tenzi wangu uye mukadzi wangu navana uye handisi kuda kusunungurwa,’

Ekisodho 21