Ekisodho 18:5-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Jeturo, tezvara waMozisi, pamwe chete navanakomana vaMozisi nomukadzi wake, vakauya kwaari kurenje, kwaakanga akadzika musasa pedyo negomo raMwari.

6. Jeturo akanga atumira shoko kwaari achiti, “Ini, tezvara wako Jeturo, ndiri kuuya kwauri nomukadzi wako navanakomana vako vaviri.”

7. Saka Mozisi akabuda kundochingamidza tezvara wake uye akakotama pasi akamutsvoda. Vakakwazisana ndokubva vapinda mutende.

8. Mozisi akataurira tezvara wake zvinhu zvose zvakaitwa naJehovha kuna Faro nokuvaIjipita nokuda kwavaIsraeri, uyewo nokutambudzika kwavakasangana nako munzira, uye kuti Jehovha akavaponesa sei.

9. Jeturo akafara kunzwa nezvezvinhu zvose zvakanaka zvakaitirwa vaIsraeri naJehovha, mukuvanunura kubva muruoko rwavaIjipita.

10. Akati, “Jehovha ngaarumbidzwe, iye akakununura kubva muruoko rwavaIjipita norwaFaro, uye iye akanunura vanhu kubva muruoko rwavaIjipita.

11. Zvino ndava kuziva kuti Jehovha mukuru kupfuura vamwe vamwari vose, nokuti akaita izvi kuna avo vakabata vaIsraeri nokuzvikudza.”

12. Ipapo Jeturo, tezvara waMozisi, akauya nechipiriso chinopiswa nezvimwewo zvibayiro kuna Mwari, uye Aroni akauya navakuru vose veIsraeri kuti vazodya chingwa pamwe chete natezvara waMozisi pamberi paMwari.

13. Fume mangwana, Mozisi akagara pachigaro chake kuti ashande somutongi wavanhu, uye ivo vakamira vakamupoteredza kubva mangwanani kusvikira madekwana.

14. Tezvara wake akati aona zvose zvakanga zvichiitwa naMozisi kuvanhu, akati, “Chiiko ichi chauri kuitira vanhu? Seiko iwe uchitonga uri woga, asi vanhu vose ava vamire vakakupoteredza kubva mangwanani kusvikira madekwana?”

15. Mozisi akamupindura akati, “Nokuti vanhu vanouya kwandiri kuzotsvaka kuda kwaMwari.

16. Pose pavanouya negakava vanouya kwandiri, uye ini ndotonga pakati pavo uye ndovazivisa mitemo nemirayiro yaMwari.”

17. Tezvara waMozisi akapindura akati, “Zvauri kuita hazvina kunaka.

18. Iwe navanhu ava vanouya kwauri muchangozvinetsa chete. Basa iri rinorema kwazvo kwauri; haungagoni kuriita uri woga.

19. Nditeerere iye zvino uye ndichakupa zano, uye Mwari ngaave newe. Iwe unofanira kuva mumiririri wavanhu pamberi paMwari uye iwe ugouyisa magakava avo kwaari.

20. Uvadzidzise mitemo uye mirayiro, ugovaratidza nzira yokurarama namabasa avanofanira kuita.

21. Asi sarudza varume vanokwanisa kubva pakati pavanhu vose, varume vanotya Mwari, varume vakatendeka vanovenga fufuro, ugovagadza samachinda pamusoro pezviuru, pamusoro pamazana, pamusoro pamakumi mashanu napamusoro pegumi.

Ekisodho 18