Ekisodho 17:3-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Asi vanhu vakanga vane nyota yemvura ipapo, uye vakapopotedzana naMozisi. Vakati, “Seiko wakatibudisa muIjipiti kuti isu navana vedu nezvipfuwo zvedu tife nenyota?”

4. Ipapo Mozisi akachema kuna Jehovha akati, “Ndoiteiko navanhu ava? Votoda kunditaka namabwe.”

5. Jehovha akapindura Mozisi akati, “Famba pamberi pavanhu. Tora vamwe vavakuru vavaIsraeri uye ubate muruoko rwako tsvimbo yawakarova nayo mvura yeNairi, ugoenda.

6. Ndichamira ipapo pamberi pako padombo riri paHorebhi. Urove dombo, uye mvura ichabuda pariri, kuti vanhu vanwe.” Saka Mozisi akaita izvi pamberi pavakuru vavaIsraeri.

Ekisodho 17