Dhuteronomi 18:8-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Anofanira kuwana mugove wakaenzana newavo, kunyange zvake akawana mari paakatengesa nhaka yemhuri yake.

9. Kana muchinge mapinda munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, musadzidzira kutevedzera nzira dzinonyangadza dzendudzi dzirimo.

10. Ngapasava nomumwe pakati penyu anoita mwanakomana wake kana mwanasikana wake chibayiro chinopiswa, kana anovuka kana anoita zvamazango kana anotenda zvamashura, kana kuita zvouroyi,

11. kana anoita zvoun'anga, kana anotenda zvamasvikiro kana anobvunza vakafa.

12. Ani naani anoita zvinhu izvi anonyangadza pamberi paJehovha, uye nokuda kwetsika idzi dzinonyangadza Jehovha Mwari wenyu achadzinga ndudzi idzi pamberi penyu.

13. Unofanira kuva wakarurama pamberi paJehovha Mwari wako.

Dhuteronomi 18