2 Samueri 23:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Aya ndiwo mashoko okupedzisira aDhavhidhi:“Chirevo chaDhavhidhi mwanakomana waJese,Chirevo chomurume akasimudzirwa noWokumusoro-soro,murume akazodzwa naMwari waJakhobho, muimbi wenziyo waIsraeri:

2. “Mweya waJehovha wakataura kubudikidza neni;shoko rake rakanga riri parurimi rwangu.

3. Mwari waIsraeri akataura, Dombo raIsraeri akati kwandiri:‘Kana munhu achitonga vanhu mukururama, kana achitonga mukutya Mwari,

4. akaita sechiedza chamangwanani pakubuda kwezuva mangwanani kusina makore,sokujeka kwezuva shure kwokunaya kwemvura kunomeresa uswa kubva pasi.’

5. “Ko, imba yangu haisi yakadaro kuna Mwari here?Nokuti akaita sungano isingaperi neni,yakarongwa uye yakasimbiswa pazvinhu zvose.Ko, haachazozadzisi ruponeso rwangu uye agondipa zvose zvandinoda here?

6. Asi vanhu vakaipa vacharasirwa parutivi seminzwa,isingaunganidzwi noruoko.

7. Ani naani anobata minzwa anoshandisa mudziyo wesimbi kana rwiriko rwepfumo;uye ichapiswa zvachose pairi ipapo.”

8. Aya ndiwo mazita emhare dzaDhavhidhi:Joshebhi-Bhashebheti, muTakemoni, akanga ari mukuru waVatatu; akasimudza pfumo rake achirwa navarume mazana masere, akavauraya panguva imwe chete.

9. Aimutevera akanga ari Ereazari, mwanakomana waDhodhai muAhohi. Somumwe wavarume vatatu voumhare, akanga ana Dhavhidhi pavakashora vaFiristia vakanga vakaungana paPasi Dhamimi kuti vazorwa. Ipapo varume veIsraeri vakadzokera shure,

10. asi iye akamira akabaya vaFiristia kusvikira ruoko rwake rwaneta uye rwanamatira pamunondo. Jehovha akaita kuti vakunde kwazvo zuva iroro; uye varwi vakadzokera kuna Ereazari, asi kundokutunura nhumbi dzavakafa chete.

11. Aimutevera akanga ari Shama mwanakomana weAgi muHarari. VaFiristia vakati vaungana pamwe chete panzvimbo yakanga ine munda wakanga uzere nenyemba, varwi vavaIsraeri vakatiza pamberi pavo.

12. Asi Shama akanyatsomira pakati pomunda. Akaudzivirira akauraya vaFiristia, uye Jehovha akauyisa kukunda kukuru.

13. Panguva yokukohwa, vatatu pakati pavakuru makumi matatu vakaburuka kuna Dhavhidhi kubako reAdhurami, nguva iyoyo hondo yavaFiristia yakanga yakadzika misasa muMupata weRefaimi.

14. Panguva iyoyo Dhavhidhi akanga ari munhare, uye hondo yavaFiristia yakanga iri paBheterehema.

2 Samueri 23