7. Akatora chifananidzo chakavezwa chaakanga agadzira akachiisa mutemberi yaMwari, yakanga yanzi naMwari kuna Dhavhidhi nokumwanakomana wake Soromoni, “Mutemberi ino nomuJerusarema randakasarudza kubva mumarudzi ose eIsraeri, ndichaisa Zita rangu nokusingaperi.
8. Handichatenderizve kuti tsoka dzavaIsraeri dzibude munyika yandakavimbisa madzitateguru enyu. Kana chete vakachenjerera kuita zvose zvandakavarayira maererano nemirayiro yose, zvandakavarayira, mitemo, nezvandakatema zvakapiwa kubudikidza naMozisi.”
9. Asi Manase akatungamirira Judha navanhu veJerusarema mukurasika, zvokuti vakaita zvakatonyanya kuipa kupfuura ndudzi dzose dzakanga dzaparadzwa pamberi pavaIsraeri.
10. Jehovha akataura naManase navanhu vake, asi ivo havana kuteerera.
11. Saka Jehovha akauyisa vatungamiri vehondo yavaAsiria kuzovarwisa vakatora Manase somusungwa, vakaisa chikokovonho mumhino yake, vakamusunga nengetani dzendarira vakaenda naye kuBhabhironi.
12. Mukutambudzika kwake akatsvaka Jehovha Mwari wake akazvininipisa kwazvo pamberi paMwari wamadzibaba ake.
13. Uye paakanyengetera kwaari, Jehovha akasundwa nokuzvininipisa kwake akateerera kudemba kwake. Saka akamudzosa kuJerusarema uye kuumambo hwake. Ipapo Manase akaziva kuti Jehovha ndiMwari.
14. Mushure maizvozvi akavakazve rusvingo rwokunze rweGuta raDhavhidhi, kumavirira kwechitubu chepaGihoni mumupata, kusvika pavanopinda napo paSuo reHove akakomberedza chikomo chaOferi; akachiitawo kuti chinyanye kukwirira. Akamisa vakuru vehondo mumaguta ose ane masvingo muJudha.
15. Akaparadza vamwari vose vedzimwe nyika akabvisa chifananidzo kubva mutemberi yaJehovha nearitari dzaakanga avaka pachikomo chetemberi nomuJerusarema akadzikanda kunze kweguta.
16. Ipapo akavakazve aritari yaJehovha akabayira zvipiriso zvokuwadzana nokuvonga pairi. Uye akataurira Judha kuti ishumire Jehovha, Mwari weIsraeri.