2 Makoronike 28:11-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Zvino chiteererai kwandiri! Dzorerai kwakare hama dzenyu dzamatora savasungwa, nokuti kutsamwa kwaMwari kunotyisa kuri pamusoro penyu.”

12. Ipapo vamwe vatungamiri vemuEfuremu vaiti Azaria mwanakomana waJehohanani, Bherekia mwanakomana waMeshiremoti, Jehizikia mwanakomana waSharumi naAmasa mwanakomana waHadhirai, vakandotongesa avo vakanga vachisvika vachibva kuhondo.

13. Vakati, “Hamufaniri kuuyisa vasungwa ivavo kuno kuti tirege kuva nemhosva pamberi paJehovha. Munoda kuwedzera here pamusoro pechivi chedu nemhosva yedu? Nokuti mhosva yedu yatokura kare, uye kutsamwa kwake kunotyisa kwava pamusoro peIsraeri.”

14. Saka varwi vakasiya vasungwa nezvose zvavakanga vapamba pamberi pavakuru neungano yose.

15. Varume varehwa namazita avo vakatora vasungwa uye kubva pane zvavakanga vapamba vakapfekedza vakanga vakashama. Vakavapa nguo neshangu, zvokudya nezvokunwa, uye nomushonga wokuporesa. Avo vose vakanga vasina simba vakavakwidza paJeriko, muGuta reMichindwe uye vakadzokera kuSamaria.

16. Panguva iyoyo mambo Ahazi akatsvaka rubatsiro kubva kuna mambo weAsiria.

17. VaEdhomu vakanga vauyazve vakarwisa Judha uye vakaenda navasungwa.

18. Panguva imwe cheteyo vaFiristia vakanga vapamba maguta omujinga mezvikomo nomuNegevhi yeJudha. Vakatora uye vakagara muBheti Shemeshi, Aijaroni neGedheroti pamwe chete neSoko, Timina neGimizo nemisha yavo yose yakaapoteredza.

19. Jehovha akaninipisa Judha nokuda kwaAhazi mambo weIsraeri, nokuti akanga akuridzira zvakaipa muJudha uye akanga anyanya kusatendeka kuna Jehovha.

2 Makoronike 28