2 Makoronike 16:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mugore ramakumi matatu namatanhatu rokutonga kwaAsa Bhaasha mambo weIsraeri akamukira Judha akandovakira Rama masvingo kuti arege kutendera munhu kubuda kana kupinda munyika yaAsa mambo weJudha.

2. Ipapo Asa akatora sirivha negoridhe kubva mumatura epfuma yetemberi yaJehovha nokubva mumuzinda wake akazvitumira kuna BheniHadhadhi mambo weAramu, uyo aitonga kuDhamasiko.

3. Akati, “Ngapave nechibvumirano pakati pangu nemi, sezvazvakanga zvakaita pakati pababa vangu nababa venyu. Tarirai, ndiri kukutumirai sirivha negoridhe zvino putsai chibvumirano chako naBhaasha mambo waIsraeri kuti agobva kwandiri.”

4. Bheni-Hadhadhi akatenderana namambo Asa uye akatumira vakuru vehondo yake kundorwisa maguta eIsraeri. Vakakunda Ijoni, Dhani, Abheri Maimi namaguta ose amatura eNafutari.

5. Bhaasha paakanzwa izvi, akasiya kuvaka Rama akaregedza basa rake.

6. Ipapo Mambo Asa vakauyisa varume vose veJudha, uye vakatakura kubva kuRama matombo ose namatanda aishandiswa naBhaasha. Akavaka Gebha neMizipa nazvo.

7. Panguva iyoyo Hanani muoni akauya kuna Asa mambo weJudha akati kwaari, “Nokuti wakavimba namambo weAramu kwete naJehovha Mwari wako, hondo yamambo weAramu yapunyuka kubva mumaoko ako.

8. Ko, vaEtiopia navaRibhiya vakanga vasiri hondo huru nengoro zhinji navatasvi vamabhiza vazhinji here? Asi pamakavimba naJehovha, akavaisa mumaoko enyu.

9. Nokuti meso aJehovha anosvika panyika yose kwaari, wakaita chinhu choupenzi uye kubva zvino zvichienda mberi ucharwa hondo.”

2 Makoronike 16