2 Madzimambo 9:32-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

32. Jehu akatarira kumusoro pawindo akadanidzira akati, “Ndiani ari kurutivi rwangu? Ndiani?” Varanda vaviri kana vatatu vakamutarira.

33. Jehu akati, “Mukandirei pasi!” Naizvozvo vakamukanda pasi, rimwe ropa rake rikapfachukira parusvingo napamabhiza paakatsikwa namabhiza.

34. Jehu akapinda akadya uye akanwa. Akati, “Torai mukadzi akatukwa, mumuvige, nokuti akanga ari mwanasikana wamambo.”

2 Madzimambo 9