2 Madzimambo 8:13-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Hazaeri akati, “Ko, muranda wenyu chiiko, iyo imbwa zvayo, kuti angaita chinhu chakakura kudai?” Erisha akapindura akati, “Jehovha akandiratidza kuti iwe uchava mambo wavaAramu.”

14. Ipapo Hazaeri akabva pana Erisha akadzokera kuna tenzi wake. Bheni-hadhadhi paakabvunza achiti, “Erisha akati kudini kwauri?” Hazaeri akapindura akati, “Akandiudza kuti zvirokwazvo muchapora.”

15. Asi nezuva raitevera akatora jira akarinyika mumvura akapfumbira chiso chamambo kusvikira afa. Ipapo Hazaeri akamutevera paumambo.

16. Mugore reshanu raJoramu mwanakomana waAhabhu mambo weIsraeri, Jehoshafati ari mambo weJudha, Jehoramu mwanakomana waJehoshafati akatanga kutonga kwake samambo weJudha.

17. Akanga ava namakore makumi matatu namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore masere.

18. Akafamba munzira dzamadzimambo eIsraeri, sezvakaita imba yaAhabhu, nokuti akawana mwanasikana waAhabhu. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha.

19. Kunyange zvakadaro, Jehovha akanga asingadi kuparadza Judha, nokuda kwomuranda wake Dhavhidhi. Akanga avimbisa kupa mwenje kwaari nokuvana vake nokusingaperi.

20. Munguva yaJehoramu, Edhomu yakapandukira Judha ikazvigadzira mambo wayo.

21. Naizvozvo Jehoramu akaenda kuZairi nengoro dzake dzose. VaEdhomu vakamukomba iye navakuru vake vengoro, asi akamuka usiku akavarwisa; uye hondo yake yakatizira kumusha.

22. Naizvozvo vaEdhomu vakabva vamukira vaJudha kusvikira nhasi. Ribhina yakapandukawo panguva imwe cheteyo.

23. Zvimwe zvakaitwa pamazuva okutonga kwaJehoramu nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo aJudha?

24. Jehoramu akavata namadzibaba ake akavigwa pamwe chete navo muguta raDhavhidhi. Ahazia mwanakomana wake akamutevera paumambo.

25. Mugore regumi namaviri raJoramu, mwanakomana waAhabhu, mambo weIsraeri, Ahazia, mwanakomana waJehoramu, mambo weJudha akatanga kutonga.

26. Ahazia akanga ana makore makumi maviri namaviri paakava mambo, akatonga muJerusarema kwegore rimwe chete. Zita ramai vake rainzi Ataria, muzukuru waOmuri, mambo weIsraeri.

2 Madzimambo 8