2 Madzimambo 2:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehovha paakanga ava kuda kutora Eria nechinyamupupuri kuti amuendese kudenga, Eria naErisha vakanga vari munzira vachibva kuGirigari.

2. Eria akati kuna Erisha, “Gara pano, nokuti Jehovha andituma kuBheteri.” Asi Erisha akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu uye noupenyu hwenyu, handingakusiyei.” Naizvozvo vakadzika kuBheteri.

3. Boka ravaprofita vapaBheteri rakauya kuna Erisha vakamubvunza vakati, “Unoziva here kuti Jehovha ari kuzokutorera tenzi wako nhasi?” Erisha akavapindura akati, “Hongu, ndinozviziva, regai henyu kuzvitaura.”

4. Ipapo Eria akatizve kwaari, “Gara pano, Erisha; nokuti Jehovha andituma kuJeriko.” Iye akapindura akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, uye noupenyu hwenyu, handingakusiyei.” Naizvozvo vakaenda kuJeriko.

5. Boka ravaprofita vapaJeriko rakakwira kuna Erisha vakamubvunza vakati, “Unoziva here kuti Jehovha ari kuzokutorera tenzi wako nhasi?” Iye akavapindura akati, “Hongu, ndinozviziva, regai henyu kuzvitaura.”

6. Ipapo Eria akatizve kwaari, “Gara pano; nokuti Jehovha andituma kuJorodhani.” Iye akapindura akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu uye noupenyu hwenyu, handikusiyei. Saka vakafamba vose vari vaviri.

7. Boka ravaprofita, ravarume makumi mashanu, rakaenda rikandomira nechokure, vakatarisana napanzvimbo pakanga pamire Eria naErisha paJorodhani.

2 Madzimambo 2