11. Kana isu takadyara zvinhu zvomweya pakati penyu, chingava chinhu chikuru here kana tikakohwa zvinhu zvenyu zvenyama?
12. Kana vamwe vane kodzero iyi yokuwana rubatsiro kubva kwamuri, hatifaniri kutowana zvikuru here?Asi hatina kushandisa kodzero iyi. Asi tinotambudzika pane zvose kuitira kuti tirege kukanganisa vhangeri raKristu.
13. Hamuzivi here kuti vaya vanoshumira mutemberi vanowana zvokudya zvavo mutemberi, uye vanoshumira paaritari vanodya zvearitari?
14. Saizvozvowo, Ishe akarayira kuti vanoparidza vhangeri vanofanira kuwana zvinovararamisa kubva pavhangeri.
15. Asi handina kushandisa kana imwe yekodzero idzi. Uye handisi kunyora izvi ndine tariro yokuti muchandiitira zvinhu zvakadai. Zviri nani kuti ndife zvangu pano kuti mumwe munhu anditorere chinhu ichi chandinozvirumbidza nacho.
16. Asi kana ndichiparidza vhangeri, handingazvirumbidzi, nokuti ndinosungirwa kuti ndiparidze. Ndine nhamo, kana ndisingaparidzi vhangeri!
17. Kana ndichiparidza nokuda kwangu, ndino mubayiro; kana ndichiita ndisingadi, ndiri kungoita chete izvo zvandakapiwa kuti ndiite.
18. Zvino mubayiro wangu ndoweiko? Ndiwo uyu, kuti mukuparidza vhangeri ndizviite pasina muripo, uye ndisingashandisi kodzero dzangu mukuriparidza.
19. Kunyange zvangu ndakasununguka uye ndisiri muranda womunhu, ndakazviita muranda wavose, kuti ndiwane vazhinji kwazvo.
20. KuvaJudha ndakava somuJudha, kuti ndiwane vaJudha. Kuna vari pasi pomurayiro ndakava somunhu ari pasi pomurayiro (kunyange ini ndisiri pasi pomurayiro), kuti ndiwane vari pasi pomurayiro.
21. Kuna vasina murayiro, ndakava somunhu asina murayiro (kunyange zvangu ndisina kusununguka kubva pamurayiro waMwari, ndiri pasi pomurayiro waKristu), kuti ndiwane vaya vasina murayiro.
22. Kuna vasina simba ndakava sendisina simba, kuti ndiwane vaya vasina simba. Ndakava zvose kuvanhu vose kuitira kuti ndiponese vamwe nemitoo yose inogoneka.
23. Ndinoita zvose izvi nokuda kwevhangeri, kuti ndigovere maropafadzo aro.
24. Hamuzivi here kuti panhangemutange vanhu vose vanomhanya, asi mumwe chete ndiye anopiwa mubayiro? Mhanyai zvokuti mugowana mubayiro.
25. Munhu wose anopinda mumitambo anozvirovedza zvakaoma. Vanoita izvi kuti vawane korona isingagari; asi isu tinozviita kuti tiwane korona inogara nokusingaperi.
26. Naizvozvo handimhanyi somunhu asina chinangwa; handirwi somunhu anorova mhepo.