6. Dhavhidhi akatambudzika zvikuru nokuti vanhu vakanga vachitaura zvokuda kumutaka namabwe; mumwe nomumwe akanga ane shungu mumweya make nokuda kwavanakomana navanasikana vake. Asi Dhavhidhi akawana simba muna Jehovha Mwari wake.
7. Ipapo Dhavhidhi akati kuna Abhiatari muprista, mwanakomana waAhimereki, “Ndivigirevo efodhi kuno.” Abhiatari akaenda nayo kwaari,
8. ipapo Dhavhidhi akabvunza kuna Jehovha akati, “Ndingatevera here vapambi ava? Ndichavabata here?” Akapindura akati, “Vatevere. Zvirokwazvo uchavabata uye uchakunda mukuvanunura.”
9. Dhavhidhi navarume mazana matanhatu vaiva naye vakasvika parukova rweBhesori, vamwe vakasara ipapo,
10. nokuti varume mazana maviri vakanga vaneta kwazvo kuti vayambuke rukova. Asi Dhavhidhi namazana mana avarume vakaramba vachitevera.