1 Samueri 26:3-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Sauro akaita musasa wake parutivi pomugwagwa uri pachikomo cheHakira chakatarisana neJeshimoni, asi Dhavhidhi akanga achigara murenje. Akati achiona kuti Sauro akanga amutevera imomo,

4. akatuma vasori akanzwa kuti Sauro akanga asvika, zvirokwazvo.

5. Ipapo Dhavhidhi akasimuka akaenda kunzvimbo kwakanga kwadzikwa musasa naSauro. Akaona pakanga pakavata Sauro naAbhineri mwanakomana waNeri mukuru wehondo. Sauro akanga akavata mukati momusasa, uye varwi vakavaka misasa yavo vakamupoteredza.

6. Ipapo Dhavhidhi akabvunza Ahimereki muHeti naAbhishai mwanakomana waZeruya, munun'una waJoabhu akati, “Ndianiko achapinda neni mumusasa kuna Sauro?” Abhishai akati, “Ndichaenda nemi.”

7. Saka Dhavhidhi naAbhishai vakaenda kuvarwi usiku, uye vakawana Sauro avete mukati momusasa, pfumo rake rakabayirwa pasi pedyo nomusoro wake. Abhineri navarwi vakanga vavete vakamupoteredza.

8. Abhishai akati kuna Dhavhidhi, “Nhasi Mwari aisa muvengi wenyu mumaoko enyu. Zvino regai ndimubayire pasi kamwe chete nepfumo rangu; handimbomubayi kaviri.”

9. Asi Dhavhidhi akati kuna Abhishai, “Usamuparadza! Ndianiko angagona kutambanudza ruoko rwake pamuzodziwa waJehovha akashaya mhosva?

10. Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, Jehovha pachake ndiye achamuuraya; zvimwe nguva yake ichasvika uye achafa, kana kuti achaenda kuhondo agofa.

11. Asi Jehovha ngaandidzivise kuti ndirege kutambanudzira ruoko rwangu kumuzodziwa waJehovha. Zvino chitora pfumo nechirongo chemvura zviri pedyo nomusoro wake tiende.”

12. Saka Dhavhidhi akatora pfumo nechirongo chemvura pedyo nomusoro waSauro, ivo ndokubvapo. Hakuna akaona kana kuziva nezvazvo, uye hakuna kana akamuka. Vose vakanga vavete, nokuti Jehovha akanga avapa hope huru.

1 Samueri 26