1 Samueri 26:5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Ipapo Dhavhidhi akasimuka akaenda kunzvimbo kwakanga kwadzikwa musasa naSauro. Akaona pakanga pakavata Sauro naAbhineri mwanakomana waNeri mukuru wehondo. Sauro akanga akavata mukati momusasa, uye varwi vakavaka misasa yavo vakamupoteredza.

1 Samueri 26

1 Samueri 26:1-14