51. Dhavhidhi akamhanya akandomira pamusoro pake. Akatora munondo womuFiristia akauvhomora mumuhara. Mushure mokunge amuuraya, akagura musoro wake nomunondo.VaFiristia vakati vaona kuti mhare yavo yafa, vakatendeuka vakatiza.
52. Ipapo varume veIsraeri neveJudha vakafamba vachienda mberi vachidanidzira uye vakatevera vaFiristia kusvikira pasuo reGati nokumasuo eEkironi. Vakafa vavo vakati kata kata mumugwagwa weShaaraimi waienda kuGati nokuEkironi.
53. VaIsraeri vakati vadzoka kundodzinganisa vaFiristia, vakapamba musasa wavo.
54. Dhavhidhi akatora musoro womuFiristia akauya nawo kuJerusarema, uye akatora zvombo zvomuFiristia akazviisa mutende rake.
55. Sauro akati atarisa Dhavhidhi achindosangana nomuFiristia, akati kuna Abhineri, mukuru wehondo, “Abhineri, jaya iri mwanakomana waaniko?”Abhineri akati, “Zvirokwazvo noupenyu hwenyu, mambo, ini handizivi.”
56. Mambo akati, “Bvunza kuti jaya iri, mwanakomana waaniko?”
57. Dhavhidhi akati achangobva kundouraya muFiristia, Abhineri akamutora akamuendesa pamberi paSauro, Dhavhidhi achakangobata musoro womuFiristia.
58. Sauro akamubvunza akati, “Uri mwanakomana waaniko, nhai mujaya?”Dhavhidhi akati, “Ndiri mwanakomana womuranda wenyu Jese wokuBheterehema.”